Archive | December, 2021

Tribute to Dewa Mavhinga (1979 – 2021)

16 Dec

Dewa! Wekwa Mavhinga, jinda guru rema dzimambwe, kuenda here kunge dova?

Dewa kupfuura here kuita chiverevere mvura ye paruware?

Kuti tonho, here kuita chando nekunopisa kudai?

Kuita hwerusvava here kungotsunzunya munhu wotofuga rako wega?

Zvino zvawafuga rako wega woti ava vana vana wavasiya neshirikadzi havadi kudziirwawo here?

Ko kuoneka kee?

Kungonzi haka ndiye zii here kunge hwengongoni nengwena pakuyambuka dziva?

Zvakaonekwa mavhinga akapotserwa ayo;  

Iwe zvako Moyo Marandu ukati handivhiki nekuda runyarararo

Ko ndozvawavaiva zve, kugaro vhikira hako vana VeZimbabwe mavhinga aitumirwa neava vengoromera;

Ko ndiko kunatsaka VaMunatsi!

Moyo, zvodzimba, zvorwadza moyo

Asi hatikuchemi tongopembera bedzi nekuti pako wakasakura ukazunza

Kupedzisa kosariresu

Ahhh zvakanaka, zvimwe toti mwari vaita kuda kwavo

Kana varivo zvawo samatenga vanga vanonokerwa tochingovati Gamuchirai heyo muchinda uyo

Makaita, musikavanhu

Hondo yawasiya inorema iyi.

Zvino zvawaiva mukoma, muninina, hanzvadzi wenyika yese achabata maoko mumwendiani? Ahhh Dewa ka! Tongoti Mufaro chete

Dewa watungamira, tiri mumashure wamai.